Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 19:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvanzi naJehovha, “Enda undotenga chirongo chevhu kumuumbi wehari. Uende navamwe vakuru vavanhu navaprista.

2. Muende kuMupata waBheni Hinomi, pedyo napamuromo weSuo reZvaenga. Uparidzepo mashoko andinokuudza,

3. uchiti; ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo navanhu veJerusarema. Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri achiti: Teererai! ndiri kuuyisa njodzi panzvimbo ino ichaita kuti nzeve yomumwe nomumwe anonzwa nezvayo iwunge.

4. Nokuti vakandisiya vakaita nzvimbo ino kuti ive yamwari wavatorwa; vakapisira zvibayiro mairi kuna vamwari vavasina kuziva ivo kana madzibaba avo kana madzimambo eJudha, uye vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva.

5. Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari kuti vapise vanakomana vavo mumoto sezvipiriso, kuna Bhaari, chinhu chandisina kuvarayira kana kureva, uye hachina kumbopinda mupfungwa dzangu.

6. Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazotumidzi nzvimbo ino kuti Tofeti kana kuti Mupata waBheni Hinomi, asi kuti Mupata Wokuuraya.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 19