“ ‘Ndichaparadza urongwa hwaJudha naJerusarema munzvimbo ino. Ndichavawisira pasi nomunondo pamberi pavavengi vavo, pamaoko avanotsvaka kuvauraya, uye ndichapa zvitunha zvavo sezvokudya kushiri dzedenga nezvikara zvenyika.