Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 18:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo.

4. Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka.

5. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

6. “Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri.

7. Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe,

8. uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera.

9. Uye kana pane imwe nguva ndikazivisa kuti rudzi kana ushe zvivakwe nokusimwa,

10. uye kana rukaita zvakaipa pamberi pangu uye rukasanditeerera, ipapo ndicharangarirazve zvakanaka zvandakanga ndichida kuruitira.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 18