Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 13:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako avo vawakadzidzisa seshamwari dzako dzakasarudzika? Haungarwadziwi zvikuru here, somukadzi osununguka mwana?

22. Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti: “Sei izvi zvaitika kwandiri?”—zvaitika nokuda kwezvivi zvako zvizhinji, kuti nguo dzako dzabvarurwa, uye muviri wako ukasabatwa zvakanaka.

23. Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Saizvozvowo imi hamungagoni kuita zvakanaka, imi makarovedzera kuita zvakaipa.

24. “Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa nemhepo yomugwenga.

25. Uyu ndiwo mugove wako, ndicho chikamu chandakakutemera,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“nokuti wakandikanganwa ukavimba navamwari venhema.

26. Ndichafukura nguo dzako pamberi pako, kuti kunyadziswa kwako kuonekwe,

27. upombwe hwako nokufemhedza kworuchiva rwako, iko kufeva kwako kusina nyadzi! Ndakaona mabasa ako anonyangadza awaiita pamusoro pezvikomo nomumunda. Une nhamo, iwe Jerusarema! Ucharamba usina kuchena kusvikira rinhiko?

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 13