Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 10:13-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Paanotinhira, mvura zhinji iri mumatenga inoita mubvumo; anoita kuti makore asimuke kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe nemvura uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

14. Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.

15. Hazvina maturo, zvinhu zvinofanira kutukwa; kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara.

16. Iye anenge ari mugove waJakobho haana kufanana nazvo, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, kusanganisa naIsraeri, rudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

17. Unganidzai nhumbi dzenyu mubve munyika, imi makakombwa.

18. Nokuti zvanzi naJehovha, “Panguva ino ndichapotsera kure avo vanogara munyika ino; Ndichauyisa nhamo pamusoro pavo kuti vagotapwa.”

19. Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu! Ronda rangu harirapiki! Asi ndakazviti, “Uku kurwara ndokwangu, uye ndinofanira kukutakura.”

20. Tende rangu raparadzwa; mabote aro ose adamburwa. Vanakomana vangu vabva kwandiri uye havachipozve; hakuna asara zvino kuti amise tende rangu. kana kumisa dumba rangu.

21. Vafudzi havana njere, uye havabvunzi Jehovha; saka havabudiriri uye makwai avo ose apararira.

22. Inzwai! Chiziviso chiri kuuya, bope guru richabva kunyika yokumusoro! Richaita kuti maguta eJudha aparare, agarwe namakava.

23. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake; hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake.

24. Ndirangei, Jehovha, asi chete nokururamisira, kwete mukutsamwa kwenyu, kuti murege kundiparadza zvachose.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 10