Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 9:2-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chakavavhenekera.

3. Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu savanhu vanofara panguva yokukohwa, sokufara kwavarume, kana vachigoverana zvakapambwa.

4. Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia, vamakaparadzira joko raivaremera, nedanda raichinjika mafudzi avo, iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo.

5. Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo, nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa, zvichapiswa, zvichava huni dzomoto.

6. Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.

7. Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achihusimbisa nokuhutsigira, nokururamisira uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.

8. Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho; richawira pamusoro paIsraeri.

9. Vanhu vose vachariziva, Efuremu navagari vomuSamaria, ivo vanoti nokuzvikudza kwavo uye namanyawi emwoyo,

10. “Zvidhinha zvakoromokera pasi, asi tichavakazve namatombo; mionde yatemerwa pasi, asi tichaitsiva nemisidhari.”

11. Naizvozvo Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi akakurudzira vavengi vavo.

12. VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama.Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 9