Kunyange zvakadaro, hakuchazovizve, nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea ravaHedheni, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani.