Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 6:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Yakagunzva muromo wangu nawo ikati, “Tarira, zimbe iri ragunzva miromo yako; mhosva yako yabviswa uye chivi chako chadzikinurwa.”

8. Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?”Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!”

9. Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti,“ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi; munogara muchiona, asi hamuonesesi.’

10. Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare; ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise uye vatsinzine meso avo. Nokuti vangaona nameso avo, nokunzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakadzoka vakaporeswa.”

11. Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?” iye akapindura achiti,“Kusvikira maguta ava matongo uye pasisina anogaramo, kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu, neminda yaparadzwa zvachose,

12. kusvikira Jehovha adzingira vanhu kure, uye nyika yasiyiwa zvachose.

13. Uye kunyange kukasara chegumi munyika, naichowo chichaparadzwa. Asi somuterabhiniti nomuouki zvichasara zvava zvigutsa pazvinotemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ruchavawo sechigutsa munyika.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 6