Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 57:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vakarurama vanoparara, uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make; vanhu vanoda Mwari vanobviswa, uye hakuna anonzwisisa kuti vakarurama vanobviswa kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa.

2. Vose vanofamba mukururama vanopinda murugare, vanowana zororo pavanovata murufu.

3. “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi, imi chibereko chemhombwe nezvifeve!

4. Muri kuseka aniko? Ndiani wamunohomera uye wamunobudisira rurimi rwenyu? Ko, hamusi chibereko chemhandu here, nechizvarwa chavanoreva nhema?

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 57