Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 55:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeerei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.

3. Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. Ndichaita sungano isingaperi nemi, iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.

4. Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, mutungamiri nomukuru wamarudzi.

5. Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzivi dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.”

6. Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo.

7. Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.

8. “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 55