Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 5:15-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa, marudzi avanhu achaninipiswa, nameso avanozvikudza achaninipiswa.

16. Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake.

17. Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo; makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi.

18. Vane nhamo avo vanokweva chivi nerwodzi rwokunyengera, uye zvakaipa sezvinenge mabote engoro,

19. kuna vanoti, “Mwari ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake kuti tirione. Ngarisvike, urongwa hwoMutsvene waIsraeri ngahuuye, kuti tihuzive.”

20. Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.

21. Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo, uye vakangwara pakuona kwavo.

22. Vane nhamo avo vanova mhare pakunwa waini, uye shasha pakuvhenganisa zvokunwa zvinodhaka,

23. vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro, asi vanoramba kururamisira vasina mhosva.

24. Naizvozvo, samarimi omoto anonanzva mashanga, uye souswa hwakaoma hunomedzwa nemirazvo yemoto, naizvozvo midzi yavo ichaora uye maruva avo achapepereswa seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha Wamasimba Ose, uye vakazvidza shoko roMutsvene waIsraeri.

25. Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa.Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.

26. Anosimudzira ndudzi dziri kure mureza, anoridzira muridzo kuna avo vari kumigumo yenyika. Havo vouya, nokukurumidza uye nokuchimbidzika!

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 5