Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa.Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.