Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 46:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni.

10. Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.

11. Kubva kumabvazuva ndinodana gondo; kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu. Zvandakareva ndichaita kuti zviitike; zvandakaronga, ndichazviita.

12. Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara, iyemi muri kure nokururama.

13. Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu, hakusi kure; uye ruponeso rwangu haruzononotswi. Ndichapa ruponeso kuZioni, nokubwinya kwangu kuna Israeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 46