9. Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni.
10. Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.
11. Kubva kumabvazuva ndinodana gondo; kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu. Zvandakareva ndichaita kuti zviitike; zvandakaronga, ndichazviita.
12. Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara, iyemi muri kure nokururama.
13. Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu, hakusi kure; uye ruponeso rwangu haruzononotswi. Ndichapa ruponeso kuZioni, nokubwinya kwangu kuna Israeri.