Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 46:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete; zvisingagoni kurwira mutoro, izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa.

3. “Ndinzwei, imi imba yaJakobho, imi mose vanosara veimba yaIsraeri, imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu, uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.

4. Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu, bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai. Ndakakuitai uye ndichakutakurai; ndichakuraramisai uye ndichakununurai.

5. “Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani? Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye?

6. Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo, uye vanoyera sirivha pazviyero; vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari, vagopfugama kuti vachinamate.

7. Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura; vanochigadzika panzvimbo yacho, uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo. Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri; hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.

8. “Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu, muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.

9. Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni.

10. Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 46