Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 43:15-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ndini Jehovha, Mutsvene Wako, Musiki waIsraeri, Mambo wako.”

16. Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji,

17. iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje,

18. “Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura.

19. Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango.

20. Zvikara zvesango zvinondikudza, makava namazizi, nokuti ndinozvipa mvura mugwenga nehova musango, kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu,

21. vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.

22. “Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri.

23. Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuwira.

24. Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako.

25. “Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako.

26. Ndiyeuchidze zvakapfuura, ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete; zvipupurire kuti hauna mhosva.

27. Tateguru wako akatadza; vamiririri vako vakandimukira.

28. Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako, uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe uye Israeri asekwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 43