Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 41:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Nyararai pamberi pangu, imi zviwi! Ndudzi ngadzivandudze simba radzo! Ngadziswedere mberi dzitaure; ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka.

2. “Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa marudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo, nouta hwake.

3. Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina vanga, nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake kare.

4. Ndiani akabata basa iri akaripedza, akadana marudzi kubva pakutanga? Ini, Jehovha, naiye wokutanga wavo newokupedzisira, ndini iye.”

5. Zviwi zvakazviona zvikatya; magumo enyika anodedera. Vanoswedera uye vagouya mberi;

6. mumwe nomumwe anobatsira wokwake, achiti kuhama yake, “Simba!”

7. Mhizha inokurudzira mupfuri wegoridhe, naiye anotsetsenura nenyundo anokurudzira uyo anorova panhera. Anoti kune chakanamwa nomoto, “Ichi chakanaka.” Anoroverera chifananidzo pasi nechipikiri kuti chisazungunuka.

8. “Asi iwe, Israeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasarudza, imi vana vaAbhurahama, shamwari yangu,

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 41