“Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa marudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo, nouta hwake.