Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 37:12-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Ko, vamwari vamamwe marudzi akaparadzwa namadzibaba angu vakavarwira here, vamwari veGezani, neHarani neRezefi navanhu vokuEdheni vakanga vari kuTeri Asari?

13. Mambo weHamati aripiko, namambo weArifadhi namambo weguta reSefarivhaimi, kana Hena kana Ivha?”

14. Hezekia akagamuchira tsamba kubva mumaoko enhume, akaiverenga. Ipapo akakwira kutemberi yaJehovha akaitambanudza pamberi paJehovha.

15. Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti,

16. “Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mugere pakati pamakerubhimi, imi moga ndimi Mwari aripo pamusoro poumambo hwose hwenyika. Makasika denga nepasi.

17. Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; zarurai meso enyu, Jehovha muone; teererai mashoko ose aSenakeribhi aakatuma kuzozvidza nawo Mwari mupenyu.

18. “Ichokwadi, Jehovha, kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi dzose nenyika dzadzo.

19. Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo akaitwa namaoko avanhu.

20. Zvino, Jehovha Mwari wedu, tidzikinurei kubva muruoko rwake, kuitira kuti madzimambo ose enyika azive kuti imi moga, Jehovha, ndimi Mwari.”

21. Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekia achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Nokuda kwokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria,

22. heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake:“Mhandara Mwanasikana weZioni anokuzvidza uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anokudzungudzira musoro wake paunenge uchitiza.

23. Ndianiko wawatuka uye ukamhura? Ndianiko wawasimudzira inzwi rako, uye ukasimudzira meso ako uchizvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri!

24. Navaranda vako watutira kutuka pamusoro paIshe. Uye wakati, ‘Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, kumusoro-soro kweRebhanoni. Ndakatema misidhari yayo mirefu refu, nemisipuresi yayo yakanakisisa. Ndakasvika kumusorosoro kwayo, nokumasango ayo akanakisisa.

25. Ndakachera matsime munyika yavamwe, ndikanwa mvura imomo. Netsoka dzangu ndakapwisa hova dzose dzeIjipiti.’

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 37