Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 32:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri.

14. Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe dzichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,

15. kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye gwenga richizova nyika yakaorera, nomunda wakaorera uchizova sesango.

16. Kururamisira kuchagara kugwenga uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.

17. Chibereko chokururama chichava rugare; uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 32