Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Umambo hwoKururama

1. Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira.

2. Munhu mumwe nomumwe achafanana noutiziro kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota.

3. Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.

4. Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva nokunzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.

5. Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi.

6. Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinorasa vanhu pamusoro paJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.

7. Nzira dzousina mano dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.

8. Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.

Vakadzi veJerusarema

9. Imi vakadzi munoti mugere zvakanaka, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana vasina hanya, inzwai zvandinoreva!

10. Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti mugere zvakanaka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.

11. Dederai, imi vakadzi munoti mugere zvakanaka; hutai, iyemi vanasikana vasina hanya! Bvisai nguo dzenyu, monerai masaga muzviuno zvenyu.

12. Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka, nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,

13. uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri.

14. Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe dzichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,

15. kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye gwenga richizova nyika yakaorera, nomunda wakaorera uchizova sesango.

16. Kururamisira kuchagara kugwenga uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.

17. Chibereko chokururama chichava rugare; uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.

18. Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare, mumisha yakachengetedzeka, munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.

19. Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango, uye guta rikaparadzwa zvachose,

20. ucharopafadzwa zvakadiniko, uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose, uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!