Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 32:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira.

2. Munhu mumwe nomumwe achafanana noutiziro kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota.

3. Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.

4. Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva nokunzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 32