Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 30:18-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha; anosimuka kuti akuratidzei tsitsi. Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira. Vakaropafadzwa vose vanomurindira!

19. Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Iye achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai.

20. Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu.

21. Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”

22. Ipapo muchasvibisa zvifanananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”

23. Iye achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka.

24. Nzombe nembongoro dzinorima munda zvichadya mashanga noupfu, zvakaparadzirwa neforogo nefoshoro.

25. Pazuva rokuuraya kukuru, panowira shongwe pasi, hova dzemvura dzichayerera pamusoro pamakomo ose akakwirira napamusoro pezvikomo zvakareba.

26. Mwedzi uchapenya sezuva, uye zuva richapenya kakapetwa kanomwe, kufanana nechiedza chamazuva manomwe azere, Jehovha paanosunga mavanga avanhu vake nokurapa maronda aakavarova nawo.

27. Tarirai, Zita raJehovha rasvika richibva kure, rine hasha dzinopfuta moto namakore noutsi akasviba kuti ndo-o; miromo yake yakazara nokutsamwa, uye rurimi rwake moto unoparadza.

28. Kufema kwake kunofanana nokuyerera kwemvura ine simba zhinji, inokwira ichisvika mumutsipa. Anozungura ndudzi murusero rwokuparadza; anoisa mushaya dzavanhu matomu anovatsausa.

29. Uye muchaimba sapausiku hwamunopemberera mutambo mutsvene; mwoyo yenyu ichafara sezvinoita vanhu vanokwira kugomo raJehovha, nokuDombo raIsraeri, vachiridza nyere.

30. Jehovha achaita kuti vanhu vanzwe inzwi rake roumambo, uye achaita kuti vaone ruoko rwake ruchiburuka pasi, nehasha zhinji nomoto wokuparadza, nokuputika kwamakore, kunaya kwemvura zhinji nechimvuramabwe.

31. Inzwi raJehovha richaparadza vaAsiria; achavarova netsvimbo yake.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 30