Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 29:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ndichakukomba kumativi ose; ndichakukomberedza neshongwe uye ndichavaka nhare dzokurwa newe.

4. Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi; kutaura kwako kuchabva muguruva. Inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu; kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.

5. Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, vane utsinye vachafanana nehundi inopepereswa. Pakarepo, nokukurumidza

6. Jehovha Wamasimba Ose achauya nomutinhiro nokudengenyeka kwenyika, uye nemheremhere huru, nechamupupuri, nedutu guru uye nomurazvo womoto unoparadza zvose.

7. Ipapo mhomho dzamarudzi ose anorwa neArieri, dzinorirwisa iro nenhare dzaro nokurikomba, zvichaita sokurota, nechiratidzo chinoonekwa usiku,

8. sezvinoitwa nomunhu ane nzara anorota achidya, asi apepuka, anowana nzara yake ichiripo; sezvinoita munhu ane nyota anorota achinwa mvura, asi omuka achiziya, nyota yake isina kupera. Naizvozvo ndizvo zvichaitawo marudzi ose akawanda anorwa neGomo reZioni.

9. Katyamarai uye mushamiswe, zvipofumadzei muve vasingaoni; dhakwai asi kwete newaini; dzedzerekai asi kwete nedoro.

10. Jehovha akauyisa pamusoro penyu hope huru; Akafukidza meso enyu vaprofita; akafukidza misoro yenyu, vaoni.

11. Nokuti kwamuri, chiratidzo ichi hachizi chinhu asi mashoko akanamirwa murugwaro. Uye kana mukapa rugwaro kuno mumwe munhu anogona kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handikwanisi, nokuti rwakanamirwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 29