Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 19:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chirevo pamusoro peIjipiti: Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, uye ari kuuya kuIjipiti. Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake, uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.

2. “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita, munun'una acharwa nomukoma, muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye, guta richarwisana nerimwe guta, umambo hucharwisana nohumwe umambo.

3. VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.

4. Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

5. Mvura yomurwizi ichapwa, uye mahombekombe erwizi achapwa nokuoma.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 19