Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Chiprofita pamusoro peIjipiti

1. Chirevo pamusoro peIjipiti: Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, uye ari kuuya kuIjipiti. Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake, uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.

2. “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita, munun'una acharwa nomukoma, muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye, guta richarwisana nerimwe guta, umambo hucharwisana nohumwe umambo.

3. VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.

4. Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

5. Mvura yomurwizi ichapwa, uye mahombekombe erwizi achapwa nokuoma.

6. Migero ichanhuhwa; hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa. Shanga nenhokwe dzichauna,

7. uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi, pamuromo werwizi. Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma, mbesa dzichapepereswa nemhepo, hazvingazovapozve.

8. Vabati vehove vachagomera nokurira, vose vanokanda zviredzo muna Nairi; vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.

9. Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba, varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.

10. Vanobata nemicheka vachaora mwoyo, uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.

11. Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi; makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano. Mungareva sei kuna Faro, kuti, “Ndini mumwe wavakachenjera, mudzidzi wamadzimambo akare?”

12. Zvino vakachenjera venyu varipiko? Ngavakuratidzei uye vakuzivisei zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro peIjipiti.

13. Machinda eZoani ava mapenzi, vatungamiri veMemufisi vanyengerwa; mabwe ekona amarudzi avo atsausa Ijipiti.

14. Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu; vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita, sezvinoita chidhakwa chinodzedzereka mumarutsi acho.

15. Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe, davi romuchindwe kana rushanga.

16. Pazuva iro, vaIjipita vachafanana navakadzi. Vachadedera nokutya panosimudzwa ruoko rwaJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.

17. Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.

18. Pazuva iro, maguta mashanu omuIjipita achataura mutauro weKenani uye vachapikira vachazvipira kuna Jehovha Wamasimba Ose. Rimwe racho richanzi Guta roKuparadza.

19. Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo.

20. Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura.

21. Saka Jehovha achazvizivisa kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha nokudzichengeta.

22. Jehovha acharova Ijipiti nehosha; acharova nokuvarapazve. Vachatendeukira kuna Jehovha, uye achapindura mikumbiro yavo nokuvarapa.

23. Pazuva iro, pachava nenzira huru ichabva kuIjipiti ichienda kuAsiria. VaAsiria vachaenda kuIjipiti uye vaIjipita vachaendawo kuAsiria. VaIjipita navaAsiria vachanamata pamwe chete.

24. Pazuva iro Israeri ichava yechitatu, ichitevera Ijipiti neAsiria, ichava ropafadzo panyika.

25. Jehovha Wamasimba Ose achavaropafadza achiti, “Ngavaropafadzwe vaIjipita vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu.”