Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 19:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chirevo pamusoro peIjipiti: Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, uye ari kuuya kuIjipiti. Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake, uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.

2. “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita, munun'una acharwa nomukoma, muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye, guta richarwisana nerimwe guta, umambo hucharwisana nohumwe umambo.

3. VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.

4. Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

5. Mvura yomurwizi ichapwa, uye mahombekombe erwizi achapwa nokuoma.

6. Migero ichanhuhwa; hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa. Shanga nenhokwe dzichauna,

7. uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi, pamuromo werwizi. Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma, mbesa dzichapepereswa nemhepo, hazvingazovapozve.

8. Vabati vehove vachagomera nokurira, vose vanokanda zviredzo muna Nairi; vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.

9. Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba, varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.

10. Vanobata nemicheka vachaora mwoyo, uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.

11. Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi; makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano. Mungareva sei kuna Faro, kuti, “Ndini mumwe wavakachenjera, mudzidzi wamadzimambo akare?”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 19