Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 17:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chirevo pamusoro peDhamasiko: “Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta, asi richava murwi wamatongo.

2. Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo, izvo zvichavata pasi, pasina anozvivhundusa.

3. Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu, uye simba roushe kubva paDhamasiko; vakasara veAramu vachava sembiri yavaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

4. “Pazuva iro mbiri yaJakobho ichaumbuka; mafuta omuviri wake achapera.

5. Zvichafanana nomukohwi anounganidza tsanga pamadzinde akamira, uyo anokohwa zviyo noruoko rwake, sezvinoita murume anononga hura dzezviyo muMupata weRefaimi.

6. Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara, sezvinoita muorivi kana wazunzwa, uchisiya maorivi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro, mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri.

7. Pazuva iro vanhu vachatarira kuMusiki wavo, vagodzorera meso avo kuMutsvene waIsraeri.

8. Havachazotarisi kuaritari, iro basa ramaoko avo, uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari dzezvinonhuwira dzakaitwa neminwe yavo.

9. Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 17