Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 16:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti.

8. Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vamarudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yambosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.

9. Saka ndinochema, sokuchema kweJezeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyararidzwa.

10. Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho.

11. Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira, ura hwangu hunorira pamusoro peKiri Haraseti.

12. Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira, anenge achingozvinetsa pachake; paanoenda kuimba yake kunonyengetera, zvinenge zvisina chazvinobatsira,

13. Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu.

14. Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapukunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 16