Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vamarudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yambosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.