Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 13:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo, navakaipa nokuda kwezvivi zvavo. Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo, uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi.

12. Ndichaita kuti munhu ashayikwe kudarika goridhe, ashayikwe kudarika kushayikwa kwegoridhe reOfiri.

13. Naizvozvo ndichabvundisa matenga; uye nyika ichazungunuka kubva panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha Wamasimba Ose, pazuva rokutsamwa kwake kunopisa.

14. Semhara inovhimwa, samakwai asina mufudzi, mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.

15. Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa, vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo.

16. Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona; dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 13