Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1. Shoko rakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peBhabhironi:

2. Simudzai mireza pamusoro pechikomo chisina miti, danidzirai kwavari; muninire kwavari kuti vapinde pamasuo amakurukota.

3. Ndakarayira vatsvene vangu; ndakadana varwi vangu kuti vazadzise kutsamwa kwangu, avo vanofadzwa nokukunda kwangu.

4. Inzwai, kutinhira pamusoro pamakomo, kwakafanana nokwavanhu vazhinji zhinji! Inzwai, mheremhere pakati poumambo, sendudzi dziri kuungana pamwe chete! Jehovha Wamasimba Ose ari kugadzirira mauto kundorwa.

5. Vanobva kunyika dziri kure, kubva kumagumo amatenga, Jehovha nezvombo zvokutsamwa kwake, kuti aparadze nyika yose.

6. Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya nokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.

7. Naizvozvo maoko ose achashaya simba, mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyunguduka.

8. Kutya kuchavabata, kurwadziwa nokugomera zvichavabata, vachamonyoroka somukadzi ari kusununguka. Vachatarisana vachishamisika mumwe nomumwe wavo, zviso zvavo zvichipfuta.

9. Tarirai zuva raJehovha riri kuuya, zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa, kuti nyika ive dongo uye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo.

10. Nyeredzi dzokudenga namapoka adzo hadzizoratidzi chiedza chadzo. Zuva rinobuda richasvibiswa uye mwedzi hauzopi chiedza chawo.

11. Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo, navakaipa nokuda kwezvivi zvavo. Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo, uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi.

12. Ndichaita kuti munhu ashayikwe kudarika goridhe, ashayikwe kudarika kushayikwa kwegoridhe reOfiri.

13. Naizvozvo ndichabvundisa matenga; uye nyika ichazungunuka kubva panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha Wamasimba Ose, pazuva rokutsamwa kwake kunopisa.

14. Semhara inovhimwa, samakwai asina mufudzi, mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.

15. Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa, vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo.

16. Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona; dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa.

17. Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia vasina hanya nesirivha, uye vasingafariri goridhe.

18. Uta hwavo huchabaya majaya; havazovi nengoni navacheche kana kutarira vana netsitsi.

19. Zvino Bhabhironi rembiri paumambo, kubwinya kwokuzvikudza kwavaBhabhironi, richaparadzwa naMwari kufanana neSodhomu neGomora.

20. Haringatongogarwizve navanhu hakuna vakatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; hapana muArabhu achadzika tende rake ikoko, hakuna mufudzi achazorodza makwai ake ikoko.

21. Asi zvisikwa zvomugwenga ndizvo zvichagara ikoko, makava achazadza dzimba dzavo; mazizi achagara ikoko, uye imomo ngururu dzichakwakuka-kwakuka.

22. Mapere achachema ari munhare dzavo, makava mudzimba dzavo dzinoyevedza dzamadzimambo. Nguva yake yaswedera, uye mazuva aro haazowedzerwi.