Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 10:26-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava, samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi, uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji, sezvaakaita muIjipiti.

27. Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu, nejoko ravo pamitsipa yenyu; joko richavhuniwa, nokuti manyanya kufuta.

28. Vanopinda muAyati; vopfuura nomuMigironi; vochengeta nhumbi paMikimashi.

29. Vanopfuura napamupata, vagoti, “Tichadzika matende paGebha usiku.” Rama rinobvunda; Gibhea raSauro rinotiza.

30. Ridza mhere, iwe mukunda weGarimi! Teerera, iwe Raisha! Newe Anatoti unonzwisa urombo!

31. Madhimena riri kutiza; vanhu veGebhimi vanovanda.

32. Zuva ranhasi vachamira paNobhi; vachakunga chibhakera chavo pagomo remwanasikana weZioni, pachikomo cheJerusarema.

33. Tarirai Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, achatema matavi nesimba guru. Miti mirefurefu ichawiswa, uye yakareba ichadzikiswa.

34. Achatema matenhere esango nedemo; Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 10