Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama, neavo vanopa mitemo inodzvinyirira,

2. kuti vadzivise varombo kodzero dzavo uye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu, vachipamba chirikadzi uye vachibira nherera.

3. Muchaita sei pazuva rokutongwa, njodzi painouya ichibva kure? Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe? Upfumi hwenyu muchahusiyepiko?

4. Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa, kana kuwira pakati pavakaurayiwa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

Kutonga kwaMwari Pamusoro peAsiria

5. “Une nhamo iwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu, iye akabata tsvimbo yehasha dzangu mumaoko ake!

6. Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari, ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa, kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa, nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa.

7. Asi izvi handizvo zvaanoda, izvi handizvo zvaanga achifunga; vavariro yake ndeyokuparadza, kupedza chose marudzi mazhinji.

8. Iye anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here?

9. Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here? Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi, uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here?

10. Ruoko rwangu sezvarwasvikira umambo hwezvifananidzo, umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria,

11. ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’ ”

12. Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake.

13. Nokuti iye anoti,“Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa. Ndakabvisa miganhu yendudzi, ndikapamba pfuma yavo; semhare ndakakunda madzimambo avo.

14. Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere, saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi; savarume vanounganidza mazai akasiyiwa, saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose; hakuna yakapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo wayo kuti irire.”

15. Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here? Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here? Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura, kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni!

16. Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose, achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta; pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwa kufanana nemirazvo inopfuta.

17. Chiedza chaIsraeri chichava moto, noMutsvene wavo murazvo womoto; muzuva rimwe chete uchapfuta ugopedza minzwa yake norukato rwake.

18. Kubwinya kwamasango ake neminda yake yakaorera kuchaparadzwa chose, kufanana nomurwere anoramba achipera.

19. Uye miti yakasara yamasango ake ichava mishoma kwazvo, zvokuti mwana angagona kuinyora pasi.

Vakasara veIsraeri

20. Pazuva iro vakasara veIsraeri, vakapukunyuka veimba yaJakobho, havachazovimbi naye iye akavarova, asi zvirokwazvo vachavimba naJehovha, Mutsvene waIsraeri.

21. Vakasara vachadzokera, vakasara vaJakobho, vachadzokera kuna Mwari Ane Simba.

22. Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa, vachasara chete ndivo vachadzokera. Kuparadzwa kwakatotemwa, kuzere nokururama.

23. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose achapedzisa kuparadzwa kwakatemerwa nyika yose.

24. Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose, “Haiwa, vanhu vangu vanogara muZioni, musatya vaAsiria, vanokurovai nomudonzvo nokukusimudzirai tsvimbo, sezvakaitwa neIjipiti.

25. Nokuti nenguva duku duku kutsamwa kwangu pamusoro penyu kuchapera, uye hasha dzangu dzichanangana nokuparadzwa kwavo.”

26. Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava, samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi, uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji, sezvaakaita muIjipiti.

27. Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu, nejoko ravo pamitsipa yenyu; joko richavhuniwa, nokuti manyanya kufuta.

28. Vanopinda muAyati; vopfuura nomuMigironi; vochengeta nhumbi paMikimashi.

29. Vanopfuura napamupata, vagoti, “Tichadzika matende paGebha usiku.” Rama rinobvunda; Gibhea raSauro rinotiza.

30. Ridza mhere, iwe mukunda weGarimi! Teerera, iwe Raisha! Newe Anatoti unonzwisa urombo!

31. Madhimena riri kutiza; vanhu veGebhimi vanovanda.

32. Zuva ranhasi vachamira paNobhi; vachakunga chibhakera chavo pagomo remwanasikana weZioni, pachikomo cheJerusarema.

33. Tarirai Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, achatema matavi nesimba guru. Miti mirefurefu ichawiswa, uye yakareba ichadzikiswa.

34. Achatema matenhere esango nedemo; Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba.