Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 10:14-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere, saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi; savarume vanounganidza mazai akasiyiwa, saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose; hakuna yakapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo wayo kuti irire.”

15. Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here? Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here? Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura, kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni!

16. Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose, achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta; pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwa kufanana nemirazvo inopfuta.

17. Chiedza chaIsraeri chichava moto, noMutsvene wavo murazvo womoto; muzuva rimwe chete uchapfuta ugopedza minzwa yake norukato rwake.

18. Kubwinya kwamasango ake neminda yake yakaorera kuchaparadzwa chose, kufanana nomurwere anoramba achipera.

19. Uye miti yakasara yamasango ake ichava mishoma kwazvo, zvokuti mwana angagona kuinyora pasi.

20. Pazuva iro vakasara veIsraeri, vakapukunyuka veimba yaJakobho, havachazovimbi naye iye akavarova, asi zvirokwazvo vachavimba naJehovha, Mutsvene waIsraeri.

21. Vakasara vachadzokera, vakasara vaJakobho, vachadzokera kuna Mwari Ane Simba.

22. Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa, vachasara chete ndivo vachadzokera. Kuparadzwa kwakatotemwa, kuzere nokururama.

23. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose achapedzisa kuparadzwa kwakatemerwa nyika yose.

24. Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose, “Haiwa, vanhu vangu vanogara muZioni, musatya vaAsiria, vanokurovai nomudonzvo nokukusimudzirai tsvimbo, sezvakaitwa neIjipiti.

25. Nokuti nenguva duku duku kutsamwa kwangu pamusoro penyu kuchapera, uye hasha dzangu dzichanangana nokuparadzwa kwavo.”

26. Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava, samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi, uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji, sezvaakaita muIjipiti.

27. Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu, nejoko ravo pamitsipa yenyu; joko richavhuniwa, nokuti manyanya kufuta.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 10