Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 11:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu, nezvisungo zvorudo; ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo ndikakotama kuti ndivape zvokudya:

5. “Havangadzokerizve kuIjipiti uye vaAsiria havangavatongi here nokuti vakaramba kutendeuka?

6. Minondo ichapenya mumaguta avo, ichaparadza mazariro pamasuo avo uye ichagumisa zvirongwa zvavo.

7. Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri. Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.

8. “Ndinokuregedza seiko, Efuremu? Ndingakuendesa seiko, Israeri? Ndingakuitireiko saAdhima? Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi? Mwoyo wangu washanduka mukati mangu; tsitsi dzangu dzose dzamutswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 11