Testamende Yekare

Testamende Itsva

Habhakuki 2:10-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, nokuparadza upenyu hwenyu.

11. Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.

12. “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa.

13. Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetsa nezvisina maturo?

14. Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.

15. “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo.

16. Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.

17. Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakufukidzai, nokuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!

18. “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.

19. Ane nhamo anoti kudanda, “Rarama!” Kana kubwe risingagoni kutaura, “Muka!” Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku.

20. Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”

Verenga chitsauko zvakakwana Habhakuki 2