Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 9:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika.

2. Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai nokukuvhundukai, zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa; zvakapiwa mumaoko enyu.

3. Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 9