Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 48:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?”

9. Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa pano naMwari.”Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.”

10. Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira.

11. Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.”

12. Ipapo Josefa akavabvisa pamabvi aIsraeri uye akakotama pasi nechiso chake.

13. Uye Josefa akavatora vose vari vaviri, Efuremu kurudyi kwake akatarira kuruoko rworuboshwe rwaIsraeri, uye Manase kuruboshwe, akatarira kuruoko rworudyi rwaIsraeri, uye akavaswededza pedyo navo.

14. Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi akaruisa pamusoro waEfuremu, kunyange zvake akanga ari muduku, uye akachinjika maoko ake, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, kunyange hazvo Manase akanga ari iye dangwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 48