Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 47:3-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Faro akabvunza madzikoma aJosefa akati, “Basa renyu ndereiko?” Ivo vakapindura Faro vakati, “Varanda venyu vafudzi, sezvakanga zvakangoita madzibaba edu.”

4. Vakatizve kwaari, “Tauya kuzogara kuno kwechinguva, nokuti nzara yakanyanya muKenani uye zvipfuwo zvavaranda venyu hazvisisina mafuro. Saka zvino, tapota regai varanda venyu vagare muGosheni.”

5. Faro akati kuna Josefa, “Baba vako namadzikoma ako vauya kwauri,

6. uye nyika yeIjipiti iri pamberi pako; garisa baba vako namadzikoma ako panzvimbo yakaisvonaka yenyika ino. Ngavagare muGosheni. Uye kana uchiziva kuti pakati pavo pane vamwe vane zvavanokwanisa kuita, uvaite kuti vave vatariri vezvipfuwo zvangu.”

7. Ipapo akapinza baba vake Jakobho akavaendesa pamberi paFaro. Shure kwokuropafadzwa kwaFaro naJakobho,

8. Faro akavabvunza akati, “Mava namakore manganiko?”

9. Uye Jakobho akati kuna Faro, “Makore okufamba kwangu panyika izana namakumi matatu. Makore angu akanga ari mashoma uye akaoma, uye haaenzani namakore okufamba kwamadzibaba angu.”

10. Ipapo Jakobho akaropafadza Faro akabva pamberi pake.

11. Saka Josefa akagarisa baba vake namadzikoma ake munyika yeIjipiti uye akavapa nzvimbo mudunhu rakaisvonaka renyika, dunhu reRamasesi, sokurayira kwaFaro.

12. Josefa akapa baba vake namadzikoma ake navose veimba yababa vake zvokudya, zvakaenzana nouwandu hwavana vavo.

13. Kunyange zvakadaro, kwakanga kusina zvokudya munyika yose nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzakaziya nokuda kwenzara.

14. Josefa akaunganidza mari yose yaiwanikwa muIjipiti neKenani yomuripo wezviyo zvavaitenga, uye akaenda nayo kumuzinda waFaro.

15. Mari yavanhu veIjipiti nevokuKenani yakati yapera, vanhu veIjipiti yose vakauya kuna Josefa vakati, “Tipei zvokudya. Tofireiko pamberi penyu? Mari yedu yapera.”

16. Ipapo Josefa akati, “Uyai nezvipfuwo zvenyu. Ndichakutengeserai zvokudya ndichitsinhanisa nezvipfuwo zvenyu, sezvo mari yenyu yapera.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 47