Vakatizve kwaari, “Tauya kuzogara kuno kwechinguva, nokuti nzara yakanyanya muKenani uye zvipfuwo zvavaranda venyu hazvisisina mafuro. Saka zvino, tapota regai varanda venyu vagare muGosheni.”