Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 44:13-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo, vakabvarura nguo dzavo. Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo uye vakadzokera kuguta.

14. Josefa akanga achiri mumba pakapinda Judha navanun'una vake, uye vakazviwisira pasi pamberi pake.

15. Josefa akati kwavari, “Chiiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvinhu nokuvuka here?”

16. Judha akapindura akati, “Chiiko chatingataura kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza seiko? Mwari afukura mhosva yavaranda venyu. Zvino tava nhapwa dzashe wedu, isu pachedu naiye awanikwa ano mukombe.”

17. Asi Josefa akati, “Ngazvive kure neni kuti ndiite chinhu chakadai! Munhu awanikwa ano mukombe wangu chete ndiye achava nhapwa yangu. Imi mose, dzokerai kuna baba venyu norugare.”

18. Ipapo Judha akaenda kwaari akati, “Ndapota, ishe wangu, regai muranda wenyu ataure shoko rimwe kuna she wangu. Regai kutsamwira muranda wenyu, kunyange hazvo makaenzana naFaro pachake.

19. Ishe wangu akabvunza varanda vake akati, ‘Muna baba kana munun'una here?’

20. Uye isu takapindura tikati, ‘Tina baba vava vatana, uye pano mukomana muduku akaberekwa pautana hwavo. Mukoma wake akafa, uye ndiye oga asara mwanakomana wamai vake, uye baba vake vanomuda.’

21. “Ipapo imi makati kuvaranda venyu, ‘Uyai naye kuno kwandiri kuti ndimuone, ini pachangu.’

22. Uye isu takati kuna she wangu, ‘Mukomana haangasiye baba vake; kana akamusiya, baba vake vangafa.’

23. Asi imi makati kuvaranda venyu, ‘Kunze kwokunge mauya nomunun'una wenyu gotwe, hamungazooni chiso changu.’

24. Patakadzokera kumuranda wenyu, baba vangu, takavaudza zvakanga zvarehwa naishe wangu.

25. “Ipapo baba vedu vakati, ‘Dzokerai mundotengazve zvimwe zvokudya zvishoma.’

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 44