Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 43:27-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Iye akavabvunza mufaro, uye ipapo akati, “Vakadii baba venyu mutana vamakandiudza nezvavo? Vachiri vapenyu here?”

28. Vakapindura vakati, “Muranda wenyu, ivo baba vedu vachiri vapenyu uye vanofara.” Uye vakakotama pasi kuti vamuremekedze.

29. Paakatarisa-tarisa akaona munun'una wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake chaiye, akabvunza akati, “Uyu ndiye munun'una wenyu gotwe, wamakandiudza nezvake here?” Uye akati, “Mwari akuitire nyasha, mwanakomana wangu.”

30. Adumbirwa pakuona kwake munun'una wake, Josefa akakurumidza kubuda uye akatsvaka nzvimbo paangachema ari. Akapinda muimba yake yomukati akandochema ari imomo.

31. Shure kwokushamba uso hwake, akabuda uye akazvidzora, akati “Pakurai zvokudya.”

32. Vakamupakurira ari oga, madzikoma vari voga, uye vaIjipita vaidya naye vari voga, nokuti vaIjipita vakanga vasingagoni kudya pamwe chete navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuvaIjipita.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 43