Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 43:17-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Varume vakaita sezvavakanga vaudzwa naJosefa vakabva vatora varume vaya vakaenda navo kumba kwaJosefa.

18. Zvino varume vaya vakatya pavakatorwa vakaendwa navo kumba kwake. Vakafunga vakati, “Tauyiswa muno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mumasaga edu panguva yokutanga. Anoda kutirwisa, agotikunda, agotisunga senhapwa uye agotora mbongoro dzedu.”

19. Saka vakaenda kumutariri waJosefa vakandotaura naye pamukova wokupinda mumba make.

20. Vakati kwaari, “Tapota ishe, takauya kuno panguva yokutanga kuti tizotenga zvokudya.

21. Asi patakamira pane imwe nzvimbo usiku, takazarura masaga edu uye mumwe nomumwe wedu akawana mari yake iri pamuromo wesaga, iyo mari yacho yose zvayo. Saka tadzoka nayo.

22. Tauyawo neimwe mari yokuti tizotenga zvokudya. Hatizivi akaisa mari yedu mumasaga edu.”

23. Iye akati, “Zvakanakai. Musatya henyu Mwari wenyu, iye Mwari wababa venyu, ndiye akakupai pfuma mumasaga enyu, ini ndakagamuchira mari yenyu.” Ipapo akabudisa Simeoni akamuuyisa kwavari.

24. Mutariri uya akauyisa varume vaya mumba maJosefa, akavapa mvura kuti vashambe tsoka dzavo uye akapa mbongoro dzavo zvokudya.

25. Vakagadzira zvipo zvokupa Josefa pakusvika kwake masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachandodya ikoko.

26. Josefa akati auya kumba, ivo vakamupa zvipo zvavakanga vapinda nazvo mumba, uye vakakotamira pasi kwaari.

27. Iye akavabvunza mufaro, uye ipapo akati, “Vakadii baba venyu mutana vamakandiudza nezvavo? Vachiri vapenyu here?”

28. Vakapindura vakati, “Muranda wenyu, ivo baba vedu vachiri vapenyu uye vanofara.” Uye vakakotama pasi kuti vamuremekedze.

29. Paakatarisa-tarisa akaona munun'una wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake chaiye, akabvunza akati, “Uyu ndiye munun'una wenyu gotwe, wamakandiudza nezvake here?” Uye akati, “Mwari akuitire nyasha, mwanakomana wangu.”

30. Adumbirwa pakuona kwake munun'una wake, Josefa akakurumidza kubuda uye akatsvaka nzvimbo paangachema ari. Akapinda muimba yake yomukati akandochema ari imomo.

31. Shure kwokushamba uso hwake, akabuda uye akazvidzora, akati “Pakurai zvokudya.”

32. Vakamupakurira ari oga, madzikoma vari voga, uye vaIjipita vaidya naye vari voga, nokuti vaIjipita vakanga vasingagoni kudya pamwe chete navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuvaIjipita.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 43