Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 41:45-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Faro akatumidza Josefa zita rokuti ZafenatiPanea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti.

46. Josefa akanga ava namakore makumi matatu okuberekwa paakapinda pabasa raFaro mambo weIjipiti. Uye Josefa akabuda kubva pamberi paFaro uye akafamba munyika yose yeIjipiti.

47. Panguva yamakore manomwe amaguta, nyika yakabereka zvizhinji kwazvo.

48. Josefa akaunganidza zvokudya zvose zvakawanikwa mumakore manomwe aya amaguta muIjipiti akazviunganidza mumaguta. Muguta rimwe nerimwe akaisa zvokudya zvaibva muminda yakapoteredza.

49. Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa.

50. Makore enzara asati asvika, Josefa akanga aberekerwa vanakomana vaviri naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni.

51. Josefa akatumidza dangwe rake zita rokuti Manase uye akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose navose veimba yababa vangu.”

52. Mwanakomana wake wechipiri akamutumidza zita rokuti Efuremu uye akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndive nezvibereko munyika yokutambudzika kwangu.”

53. Makore manomwe amaguta muIjipiti akasvika pakupera,

54. uye makore manomwe enzara akatanga, sezvazvakanga zvarehwa naJosefa. Kwakava nenzara mune dzimwe nyika dzose, asi munyika yose yeIjipiti maiva nezvokudya.

55. Ijipiti yose payakatanga kunzwa nzara, vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Faro. Ipapo Faro akaudza vaIjipita vose akati, “Endai kuna Josefa uye muite zvaanokuudzai.”

56. Nzara yakati yapararira munyika yose, Josefa akazarura matura uye akatengesa zviyo kuvaIjipita, nokuti nzara yakanga iri huru munyika yose yeIjipiti.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 41