Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 36:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu).

2. Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi,

3. uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.

4. Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri,

5. uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani.

6. Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomunun'una wake Jakobho.

7. Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo.

8. Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri.

9. Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri.

10. Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau: Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau Adha, naReueri, mwanakomana waBhasemati mukadzi waEsau.

11. Vanakomana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi.

12. Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 36