Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 30:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Mwari akanzwa Rea, uye akava nemimba akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.

18. Ipapo Rea akati, “Mwari akandipa mubayiro nokuda kwokupa murandakadzi wangu kumurume wangu.” Saka akamutumidza zita rokuti Isakari.

19. Rea akabatazve pamuviri uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu.

20. Ipapo Rea akati, “Mwari andipa chipo chinokosha. Nguva ino murume wangu achandikudza, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni.

21. Shure kwaizvozvo akazobereka mwanasikana uye akamutumidza zita rokuti Dhaina.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 30