Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 30:16-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Saka Jakobho akati achisvika kubva kusango manheru iwayo, Rea akabuda kundomuchingamidza. Iye akati kwaari, “Unofanira kuvata neni iwe. Ndakutenga nemamandiraki omwanakomana wangu.” Saka akavata naye usiku ihwohwo.

17. Mwari akanzwa Rea, uye akava nemimba akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.

18. Ipapo Rea akati, “Mwari akandipa mubayiro nokuda kwokupa murandakadzi wangu kumurume wangu.” Saka akamutumidza zita rokuti Isakari.

19. Rea akabatazve pamuviri uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu.

20. Ipapo Rea akati, “Mwari andipa chipo chinokosha. Nguva ino murume wangu achandikudza, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni.

21. Shure kwaizvozvo akazobereka mwanasikana uye akamutumidza zita rokuti Dhaina.

22. Ipapo Mwari akarangarira Rakeri; akamunzwa uye akazarura chizvaro chake.

23. Akava nemimba akabereka mwanakomana uye akati, “Mwari abvisa kunyadziswa kwangu.”

24. Akamutumidza zita rokuti Josefa, uye akati, “Mwari ngaandiwedzere mumwe mwanakomana.”

25. Shure kwokuberekwa kwaJosefa naRakeri, Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndiregei ndiende kunyika yokwangu.

26. Ndipei vakadzi vangu navana, avo vandakakushandirai kuti ndigowana, uye ndigoenda. Munoziva kuti ndakakushandirai sei.”

27. Asi Rabhani akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, ndapota hangu imbogara. Ndakaona nokuvuka kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako.”

28. Akatizve, “Reva muripo wako, uye ndichakuripa.”

29. Jakobho akati kwaari, “Munoziva kuti ndakakushandirai sei uye kuti zvipfuwo zvenyu ndakazvichengeta sei.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 30