Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 3:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?”

2. Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu,

3. asi Mwari akati, ‘Hatifaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’ ”

4. Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo.

5. Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.”

6. Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya.

7. Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo.

8. Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu.

9. Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?”

10. Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.”

11. Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?”

12. Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 3