Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 23:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. “Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa vangu.”

5. VaHiti vakapindura Abhurahama vakati,

6. “Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.”

7. Ipapo Abhurahama akasimuka uye akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika, ivo vaHiti.

8. Akati kwavari, “Kana muchida kuti ndivige akafa wangu, zvino chindinzwai uye mundikumbirire kuna Efuroni mwanakomana waZohari pachinzvimbo changu,

9. kuti anditengesere bako raMakapera, raanaro uye riri kumucheto womunda wake. Mukumbirei kuti anditengesere nomutengo uzere ive nzvimbo yangu yokuviga vakafa pakati penyu.”

10. Efuroni muHiti akanga agere pakati pavanhu vake uye akapindura Abhurahama, vaHiti vose vakanga vauya pasuo reguta vachizvinzwa,

11. akati, “Kwete, ishe wangu. Inzwai; ndinokupai munda, uye ndinokupai bako riri mauri. Ndinoupa kwamuri pamberi pavanhu vangu. Vigai henyu akafa wenyu.”

12. Zvakare Abhurahama akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika

13. uye akati kuna Efuroni vachizvinzwa, “Nditeerere, kana uchida. Ndicharipa mutengo womunda. Ugamuchire hako kubva kwandiri kuti ndigoviga vakafa vangu imomo.”

14. Efuroni akapindura Abhurahama akati,

15. “Nditeererei, ishe wangu, mutengo wenyika unoita mashekeri mazana manaa esirivha, asi chingava chiiko pakati pangu nemi? Vigai henyu akafa venyu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 23