“Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.”